Isaiah 24

Kuparadzwa kweNyika naJehovha

1Tarirai, Jehovha ari kuzoparadza nyika
achiiparadza zvachose;
achanyangadza kutarisika kwayo
uye achaparadzira vanogaramo,
2zvichangofanana,
zvinoitirwa muprista nezvinoitirwa vanhu,
zvinoitirwa vatenzi nezvinoitirwa muranda,
zvinoitirwa vahosi nezvinoitirwa mushandiri,
zvinoitirwa mutengesi nezvinoitirwa mutengi,
zvinoitirwa anokwereta nezvinoitirwa akweretwa,
zvinoitirwa anoripa mhindu nezvinoitirwa anoreva mhindu.
3Nyika ichaparadzwa zvachose
uye ichatorerwa zvayo zvose.
Jehovha ataura shoko irori.
4Nyika inooma uye inosvava,
pasi pose panorwadziwa uye panounyana,
vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa.
5Nyika inosvibiswa navanhu vayo;
havana kuteerera mirayiro,
vakapandukira mitemo
uye vakaputsa sungano isingaperi.
6Naizvozvo chituko chinoparadza nyika,
vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo.
Naizvozvo vagari vomunyika vapiswa,
uye vashoma ndivo vasara.
7Waini itsva inopera uye muzambiringa unosvava;
vose vanoda mafaro vanogomera.
8Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa,
kupembera kwavapururudzi kwapera,
rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.
9Havangazonwi waini vachiimba rwiyo;
doro rava kuvava kuvanwi varo.
10Guta rakoromorwa rava dongo;
mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.
11Vochemera waini mumigwagwa;
mufaro wose washanduka wava kusuwa,
mupururu wabviswa panyika.
12Guta rasara rava dongo,
masuo aro aputswa-putswa.
13Ndizvo zvazvichaita munyika
napakati pendudzi,
zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi,
kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa.

14Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro;
kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha.
15Naizvozvo kumabvazuva, mbiri kuna Jehovha;
kudzai zita raJehovha Mwari waIsraeri
pazviwi zvegungwa.
16Kubva kumigumo yenyika tinonzwa kuimba kunoti:
“Ngaakudzwe iye Akarurama.”

Asi ini ndakati, “Ndiri kupera muviri, ndiri kupera muviri!
Ndine nhamo!
Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera!
Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera kukuru!”
17Kutya negomba zvakakumirirai,
imi vanhu vapanyika.
18Ani naani anotiza kutinhira kunotyisa,
achawira mugomba;
ani naani anokwira achibuda mugomba
achabatwa mumusungo.

Nokuti mawindo okudenga azaruka,
uye nheyo dzapanyika dzozungunuka.
19Nyika yaputswa-putswa,
nyika yakamurwa napakati,
nyika yozungunuswa chose.
20Nyika yodzedzereka sechidhakwa,
inozengaira semba iri mumhepo;
kudarika nokumukira kwayo kwairemera kwazvo,
zvokuti inowa, ikasazomukazve.

21Pazuva iro Jehovha acharanga masimba
omuchadenga kumusoro,
uye namadzimambo ari pamusoro penyika pasi.
22Vachaunganidzwa pamwe chete
kufanana navasungwa vakasungwa mugomba;
vachapfigirwa mutorongo
vagozorangwa kwamazuva mazhinji.
23Mwedzi uchanyadziswa, zuva richanyara;
nokuti Jehovha Wamasimba Ose achatonga
pamusoro peGomo reZioni nomuJerusarema,
napamberi pavakuru varo, nokubwinya kukuru.
Copyright information for SnaBDSC